blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau Chitatu, 11 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

Gurkuto rezveMari Tinoti Bhanga Guru Renyika Rinofanirwa Kushandurwa

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti nyika haisi kuwana rubatsiro rwemari kubva kumasangano anopa mari, sezvo masangano aya ari kutyira kuti mari iyi inogona kushandiswa nenzira isiri kwayo nebhanga guru renyika.

VaBiti vanonzi vakataura mashoko aya nechipiri pavaipindura mibvunzo kunhengo dzedare reparamende pamusoro pekuvandudzwa kuri kuda kuitwa mutemo we RBZ Act.

VaBiti vanonzi vakati kana nyika ichada kupihwa mari, inofanirwa kushandura mashandiro ayo, sezvo masangano anobatsira ari kutanga abvunza kuti mari idzi dzichapinda seyi munyika zviri pamutemo.

Hurumende inoti inoda mari inosvika $US10 billion dollars kuti hupfumi hwenyika husumutsiridzwe.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVa Biti kuti vanyatsojekesa zviri kuitika panyaya dzemari.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nenyanzvi yakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, kuti tinzwe pfungwa dzavo pamusoro penyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

 

 

Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya