blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Chipiri, 24 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau China, 12 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

America Inoti Zimbabwe Inofanira Kumiswa Kutengesa Mangoda Ikatevedza Zvakatarwa Ne Kimberly

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Hurumende ye America inoti Kimberly Process inofanira kumisa Zimbabwe kutengesa mangoda ayo pamusika wepasi rose, kana Zimbabwe ikasagadzirisa macherero pamwe nematengeserwo emangoda aya zvinoenderana nezvakatarwa ne Kimberly Process

Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mu America rinoti richiri kushushikana nekumbunyikidzwa kwevanhu kwaMarange, uye rava kumirira kuona kuti zvisungo zve KP zvichatevedzerwa here kana kuti kwete neZimbabwe.

Musangano we Kimberly Process wakapera nechisungo chekuti Zimbabwe haifaniri kutengesa mangoda ekwa Marange isina kubvumidzwa nemuwongorori we KP kumaburitsa munyika.

Musangano we KP uyu vhiki rapera hauna kumisa Zimbabwe kutengesa mangoda pamusika wepasi rose sezvanga zvichidiwa nevanorwira kodzero dzevanhu nedzimwe nyika nekuti panga pasina kuwirirana.

Nyika dzemu Africa dzanga dzichitsigira Zimbabwe kasi dzekuchamhembe kwe Africa dzaiti Zimbabwe imbomiswa. America yati KP inofanira kuwona kuti yapedza kutaura pamusoro penyaya yekodzero dzevanhu munyika dzinochera mangoda kasi KP iri kuti haina kuwumbwa kutarisa nyaya dzekodzero dzevanhu.

 

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...