Sangano rinomirira vashandi vemumapurazi reGeneral Agriculture and Plantation Workers Union of Zimbabwe, GAPWUZ, rakaparura neMuvhuro muHarare, gwaro pamwe nefirimu pfupi zvinoratidza matambudziko ari kusangana nevashandi vemumapurazi.
Matambidzo aya ari kukonzerwa nechirongwa chekutorwa kweminda, icho chiri kuitwa nenzira isina kufanira.
Firimu pfupi iri, iro rinonzi “House of Justice” rinoratidza kutyorwa kwekodzero dzevashandi vemumapurazi, ukuwo gwaro rinonzi “If Something is Wrong”, rinoburitsawo pachena huipi hwechirongwa chekugoverwa kweminda mumakore gumi adarika.
Gender and Child Labour Coordinator musangano reGAPWUZ, Amai Juliet Sithole, VAUDZA Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti danho ravatora iri ndere kuzama kuti vekunze vanzwewo izwi revashandi wemumapurazi uye kutambura kwavri kuita kuburikidza nechirongwa chekugoverwa kweminda patsva.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...
Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com