blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau Chitatu, 11 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

VaTsvangirai Vanopinda Mudare reMakurukukota

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemakurukota ebato ravo, vakapinda mudare remakurukota neChitatu kekutanga kubva zvavakatanga kuramwa kupinda mudare iri musi wa16 Gumiguru. 

Vane ruzivo nezvemusangano uyu vanoti wafamba hawo zvakanaka, kunyange hazvo pange pachiratidza kuti hapana kunyatsowirirana. VaTsvangirai vanonzi vaudza dare iri kuti vanotarisira kuti makurukota aite mushandirapamwe uye kushandira nyika zvakasimba. 

Studio7 haina kukwanisa kunzwa zvakawanda zvitika mudare iri, sezvo makurukota mazhinji ange asina kusununguka kutaura nezvaitika mudare remakurukota.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vati VaTsvangirai vachatanga kudaidzira misangano yeCouncil of Ministers nekuita misangano nemutungamiri wehurumende.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...