blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau Chitatu, 11 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

Dare Re High Court Rinoti Va Hitschmann Vanofanira Kumba Humbowo Munyaya Yava Bennett

Udza Vamwe Nyaya Iyi

 Mutongi wedare repamusoro re High Court, Va Muchineripi Bhunu, nhasi varamba kutambira chikumbiro chakaitwa nemagweta emubati wehomwe mu MDC, Va Roy Bennett, chekuti Va Peter Hitschmann vasabvumidzwe nedare kupa humbowo hwavo munyaya iri kupomerwa Va Bennett.

Va Bhunu varamba zvakare kutambira chikumbiro chemu chuchusi mukuru wehurumende, Va Johannes Tomana, chekuti humbowo humwe hwakaiswa mudare nemagweta aVa Bennett husatambirwe nedare.

Va Bhunu vati Va Hitschmann vanosungirwa kuuya kuzopa humbowo mudare sekutarwa kwazvakaitwa nevachuchisi. 

Humbowo hwavo ndihwo huri kutarisirwa kusungirira Va Bennett avo vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende nechisimba. 

VaBhunu vati ivo ndivo vachazoona pakupera kwenyaya kuti humbowo hwapihwa mudare hune hudzamu here kana kuti kwete. 

Va Trust Maanda vanoti havasi kufara nemutongo wanhasi kasi hapana chavanokwanisa kuita kasi kurwisa kuti VaBennett vasaende kujeri.

Muchuchisi mukuru wehurumende Va Johannes Tomana vanoti vanoti kunyangwe mutongi akanda nyaya yavo panze, vachenderera mberi nekuruka nyaya yavo yavari kupomera vaBennett.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...

 


Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya