blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau China, 12 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

WOZA Inowana Mubairo weRobert  F. Kennedy

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Nhengo mbiri dzeWomen of Zimbabwe Arise, WOZA, Muzvare Magodonga Mahlangu naAmai Jenni Williams, vari muWashington kunotambira mubairo wavakawana wekurwira kodzero dzevanhu, we2009 Robert F. Kennedy Human Rights Award. 

Kunyange hazvo zvinhu zviri kuramba zvakaoma munyaya dzekodzero dzevanhu muZimbabwe, sangano reWOZA harina kubvira radzokera shure munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu. 

Zvichitevera kuumbwa kwehurumende yemushandirapamwe, veruzhinji vakambofunga kuti zvinhu zvaive zvava kuzoshanduka munyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu, asi kutyora kwekodzero dzevanhu kuchiri kuenderera mberi. 

Muzvare Mahlangu vanoti kunyange hazvo zvinhu zvava kunge zviri kugadzikana munyaya dzehupfumi, zvinhu zvakawanda  zvichakangoomera vanhukadzi.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya