blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau China, 12 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

VaMugabe Voramba Vakaomesa Musoro

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vamisa musangano wedare remakurukota neChipiri  vakati uchaitwa neChitatu.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMugabe vamisa musangano uyu sezvo vange vakaneta mushure mekuenda kuEgypt  kumusanmgano weChina-Africa Summit.

VaMugabe vanonzi vakadzoka neMuvhuro manheru. Musangano uchaitwa neChitatu musangano wekutanga kubva pakambomira MDC kusangana neZanu PF muhurongwa hwehurumende musi wa16 Gumiguru.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaudza vatori venhau neChipiri kuti vachaenda kumusangano uyu sevimbiso yavakaita kuSADC Troika kuMaputo svondo rapera. Asi VaTsvangirai vatiwo zvakakosha kuti vakuru venyika vataurirane kuitira kuti nyika isadzokere munyaya dzekuburitsirana makano. 

VaTsvangirai vataura mashoko aya mushure mekuita musangano kumuzinda weChina muZimbabwe. 

Vakabatsira mukuuumba chibvumirano che GPA, vari kutarisirwa kusangana svondo rino risati rapera kuti vatange kuzeya nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. 

Vakuru veSADC vaudza Studio7 kuti mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vachaenda kuZimbabwe kuzoona zvinenge zvaitwa mukati memazuva gumi nemashanu.

VaZuma vachayedza kuyananisa kana paine zviri kunetsa. Asi zvinonzi vakakundikana, vachadzokera zvakare kuna sachigaro weSADC troika, uye vari mutungamiri weMozambique, VaArmando Geubuza. 

Zvinonzi VaGeubuza ndivo vachazoona kuti SADC Troika yosangana zvekare here kana kuti poitwa SADC Summit ichaunza vatungamiri vose kuti vazeye nyaya iyi. 

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti zvinhu zvinotemesa musoro kuti VaTsvangirai havakwanise kuita sachigaro wedare remakurukota kana VaMugabe vasipo.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya