blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau China, 12 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

Mangoda emuZimbabwe Onetsa muKimberly Process

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Sachigaro veKimberly Process, Va Bernard Esau, vanoti zvinovashamisa kuti sei dzimwe nyika dziri musangano ravo uye masangano akazvimirira, ari kuda kuti Zimbabwe imbomiswa kutengesa mangoda ayo ekwaMarange.

Va Esau vaudza Studio7 neChipiri kuti vanoona kunge nyaya dzezvematongerwe enyika ndidzo dziri kushandiswa kuitira kuti Zimbabwe itadze kutengesa mangoda ayo pamusika wemangoda. 

Va Esau nevamwe vavo venyika dzemu Africa, vari kushoropodzwa nevamwe vavo mu Kimberly Process, kuti vakamira ne Zimbabwe zvinova zvakatadzisa kuti Zimbabwe imbomiswa kutengesa mangoda kusvika yagadzirisa nyaya yekwaMarange. 

Va Farai Maguwu ndivo Executive Director ve Centre for Research and Development kwaMutare. VaMaguwu vanoti zvinoshamisa zvikuru kuti VaEsau munyika mavo vanofambisa nyaya yemangoda zvakanaka, asi havadi kuti Zimbabwe igadzirisewo nyaya dzayo.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

 


Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya