blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau China, 12 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

Mapurisa Anosunga Nhengo dzeZCTU

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vatorwa ma finger prints neMuvhuro ku Victoria Falls, zvichitevera kusungwa kwavakaitwa neSvondo. 

VaMatombo vakasungwa vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wePOSA, vachinzi vakasangana nevamwe vavo vasina kupihwa bvumo nemapurisa. Vakasungwa pamwe naVaMatombo vanosanganisira national organising secretary weZCTU, Va Micheal Kandukutu, regional officer we Western Region, VaPercy Mcijo, pamwe nenhengo dze national  executive, VaDumisani Ncube naVaNawu Ndlovu.

Gweta revasungwa ava, Muzvare Nomagugu Mahlangu, vanoti vasungwa ava vari kutarisirwa kuendeswa kumatare edzimhosva emu Victoria Falls neMuvhuro.

VaWellington Chibebe ndivo munyori mukuru weZCTU. VaChibebe vanoti mapurisa ari kutyora mutemo nekusunga VaMatombo nevamwe vavo sezvo musangano wavaiita wakange usineyi nezvematongerwo enyika, asi kuti musangano wekuzeya mabasa eZCTU.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya