blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau China, 12 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

VaTsvangirai Vanoti Zvose Zvasara Zvichagadziriswa

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti zvinetswa zvose zvasarira muhurumende yemubatanidzwa, zvinenge zvagadziriswa mukati memazuva makumi matatu akatarwa neSADC Troika svondo rapera. 

Vachitaura neSvondo kuChitungwiza kuvatsigiri vavo pamhemberero dzekusvitsa makore gumi bato ravo raumbwa, VaTsvangirai vakati vane chivimbo chekuti makakatanwa aripo pakati pavo nemutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, anenge apera. 

SADC Troika yakatara mazuva gumi nemashanu ekuti mapato ari muhurumende ange agadzirisana, kukundikana kuita izvi, mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanozopinda munyika voyananisa zvakare mukati memamwe mazuva gumi nemashanu.  Izvi zvinoreva kuti SADC yakapa mazuva makumi matatu ekuti gakava riri muZimbabwe ringe ragadziriswa.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo rine chivimbo chekuti zvinhu zvinenge zvagadziriswa munguva yakatarwa neSADC. VaChamisa vatiwo kana zvakasagadzirisika, vanenge votarisira kuti SADC idaidzire musangano wenyika dzose dziri musangano iri kuti dzizeye nyaya yeZimbabwe zvakadzama.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari National Director weNCA, VaErnest Mudzengi, vanotiwo zvakaoma kuti vati zvose zvinenge zvagadziriswa munguva yakatrwa, sezvo pachitodiwa kuti mapato ose atevere zvakabvumiranwa muGPA.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya