blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Muvhuro, 23 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau China, 12 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

Kutongwa kwaVaBennett Kunotanga muHarare

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Nyaya iri kupomerwa mubati wehomwe mu MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaRoy Bennett, yatanga neMuvhuro mudare re High Court. 

VaBennett vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaimbova yaVa Mugabe, pamwe nekuchengeta zvombo zvehondo zvisiri pamutemo.

Muchuchisi mukuru, Va Johannes Tomana, ndivo gweta riri kumirira hurumende. VaTomana vanonzi vaunza zvombo izvo vanoti Va Bennett vaida kushandisa mukutora nyika nechisimba muna 2006.

VaTomana vakumbira dare kuti ribvise zvakaiswa mudare nemagweta aVa Bennett sehumbowo hwavo nekuti humbuwo uhu hauna kuunzwa kudare nenzira kwayo. Ukuwo gweta riri kumirira VaBennett, Amai Beatrice Mtetwa, vatiwo hurumende haifaniri kushandisa Va Peter Hitschmann, semufakazi wayo mukuru nekuti Va Hitschmann vakatoramba mudare muna 2006 kuti zvombo zvavakaonekwa vainazvo zvakange zvisina chekuita naVa Bennett. 

VaTrust Maanda rimwe remagweta aVa Bennett. VaMaanda vanoti zviri pachena kuti Va Bennett vari kushungurudzwa zvisina tsarukano ne Zanu PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanotiwo Zanu-PF kuramba ichishungurudza Va Bennett, zvinhu  zviri muhurongwa hwayo hwekuda kuvhiringidza bato reMDC.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya