blank

VOICE OF AMERICA

Shona

About VOA | Tibateyi PaShona

  • Chipiri, 24 Mbudzi 2009
  • Nhau Dzichangoburwa

Nhau Zvawedzerwa muNhau Chitatu, 04 Mbudzi 2009 RSS Feeds RSS

Nhengo dzeMDC Dziri Muhusungwa Dzichiri Kushaikwa Kwadzakachengeterwa

Udza Vamwe Nyaya Iyi

Nhengo dzeMDC dzinosvika gumi neshanu kusanganisira mwana ane makore maviri, dzakasungwa kupera kwaGumiguru dzichipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, dzanzi hadzisati dzazivikanwa kwadziri kusvika pari nhasi. Magweta ari kumirira vanhu ava anoti aedza napose paanogona napo kuti mapurisa aburitse vanhu ava muhusungwa, asi hapana chiri kufamba.

Dare guru redzimhosva rakapawo mutongo wekuti mapurisa aendese vanhu ava kumatare edzimhosva, asi mapurisa ari kuramba akaisa zvimiti munzeve. Izvi zvakapa kuti magweta ari kumirira vasungwa ava, akumbire dare kuti gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, pamwe nemukuru wemapurisa, Commissioner-General Augustine Chihuri, vasungwe sezvo vari kuzvidza mutongo wedare. Asi dare harisati rapa mutongo waro pachikumbiro ichi.

Vari kushayikwa kuti vakachengeterwa kupi vanosanganisira sachigaro wemadzimai muMDC kuMashonaland West, Amai Concillia Chinanzvavana, murume wavo, VaEmmanuel Chinanzvavana, munyori wevechidiki, Fidellis Chiramba, pamwe naBaba naMai Mupfuranhehwe nemwanakomana wavo ane makore maviri.

Munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika muMDC, VaGiles Mutsekwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti sezvo bato ravo richiremekedza mutemo wenyika, rakaisa nyaya iyi mumaoko emagweta avo uye vanotarisira kuti mutemo uchatora nzvimbo yawo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

Ndebele Radio Shows

Masvika paPeji Redu Idzva 


Tagadzirisa chimiro chepeji rine nhau dzedu kuitira kuti murerukirwe pakuwana nhau, mashoko, mifananidzo, zvirongwa zveVOA nezvimwe zvamunenge muchida.
Tumirayi tsambambozha dzenyu muchitiudza zvamunofunga pakero yetsambambozha iyi: studio7@voanews.com 

email subscribtion newsletter

Nhau Dzaverengwa Zvakanyanya